Tochema kuZANU inunure mhuri yeZimbabwe
Tochema kuZANU inunure mhuri yeZimbabwe
Nehanda naKaguvi vakaurairwa Zimbabwe
Nehanda mudzimai wekutanga kuurairwa Zimbabwe
Asi akasiya afa akati mapfupa angu achamuka
PaChinhoyi apa kani vakafira Zimbabwe
VaChitepo vakafa kufira Zimbabwe
Takawira akafa kufira Zimbabwe
Tochema kuZANU inunure mhuri yeZimbabwe
Tochema kuZANU inunure mhuri yeZimbabwe
PaNgoroma kani vakafira Zimbabwe
KuNyadzonia kani zvandibaya moyo wangu
Ndarangarira ropa zhinji rakasara
PaChimoio kani vakafira Zimbabwe
PaChimoio kani ndochema misodzi
Yuwi kokuTembwe zvondibaya moyo wangu
Ropa rakawanda rakasara Nyadzonia
Ropa rakawanda rakasara paChimoio
Ropa rakawanda rakasara kuTembwe
Nyika yeZimbabwe yatora moyo wangu
Tochema kuZANU inunure mhuri yeZimbabwe
Tochema kuZANU inunure mhuri yeZimbabwe
Ropa rakawanda rakasara paNyadzonia
Ropa zhinji kwazvo rakasara paChimoio
Ropa rakawanda rakasara kuTembwe
Mamwe magamba eZANU arikufira muZimbabwe
Ropa rakawanda rakasara paChimoio
Tochema kuZANU inunure mhuri yeZimbabwe
Tochema kuZANU inunure mhuri yeZimbabwe
Nyika yeZimbabwe yatora moyo wangu
Tochema kuZANU inunure mhuri yeZimbabwe
Tochema kuZANU inunure mhuri yeZimbabwe
